Psalms 6

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

1Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu,
kana kundiranga muhasha dzenyu.
2Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya;
haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.
3Mweya wangu uri kurwadziwa.
Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?

4Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira;
ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.
5Hakuna anokurangarirai kana afa.
Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?

6Ndaneta nokugomera;
ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose,
ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.
7Meso angu aneta nokuchema;
haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.

8Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa,
nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.
9Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha;
Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.
10Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa;
vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.
Copyright information for SnaBDSC